Svetuka kuchirochemo

Masvomhu

Kubva Wikipedia

Masvomhu (kana kuti masamhu) ishoko rinoreva ruzivo gwekuongorora kuva nemusoro kwehuwandu, mamiriro ezvinhu uye marongekero angaitwa zvinhu. Masvomhu ibumbiro reruzivo rwakananganana nendangariro dzehuwandu, maumbirwo, nzvimbo, mapindukiro uyewo nehukama hwezvese izvi. Masvomhu chikwata chezvidzidzo zvezvataugwa izvi zvinowanikwa muzvikoro.

Gwara netariro yemberi kwatakananga

Isu, vatauri veChiVanhu, tichibatsirana needu makodobori ezveMasvonhu, tazvipira kuvaka chikamu chemutauro wedu chinotibatsira kudzidza, kudzidzisana, kufunga nekuongorora kuti tibudise mhinduro kumivhunzo isati yagoneka kupindugwa uyewo kubudisa pachena ruzivo gusati gwazivikamwa muzvidzidzo zveMasvomhu. Tinoda kuzogona kutaura nezvese zveMasvonhu nemutauro weChiVanhu usina kuvhenganiswa nemashoko emimwe mitauro. Izvi zvichaoma kuti tizozviona zvichiitika asi, hongu, tichazvigona chete.

Chinangwa

Kuti tigone kunzvera nekunyora magwaro emasvomhu muChiVanhu kubva kuzvikoro zvekuzasi kusvikira kuzvikoro zvekumusoro-soro kune makodobori anoongorora nezvemibvunzo isati yava nemhinduro dzekumanhepfutepfu eruzivo gwemasvomhu.

Tinoda kuzonyora mabhuku eMasvomhu nokutangisa zvidzidzo zveMasvomhu mumutauro wedu muzvikoro zvese zvekuzasi nezvekumusoro mumakore gumi anotevera.

Zviperengo Zvehuwandu

Ngatitangei nezviperengo zvehuwandu:

0 = chipasina kana kuti chishaiwe (iri ishoko idzva rinoreva chiperengo 0)

1 = motsi (imwe)

2 = piri (mbiri)

3 = tatu (nhatu)

4 = ina (zvina)

5 = shanu (zvishanu)

6 = tanhatu (nhanhatu)

7 = nomwe

8 = sere

9 = pfumbamwe

10= gumi

100 = zana

1,000 = chiuru

10,000 = mazana akazanirana kana kuti mazazanana kana kuti gumi rezvuru

100,000= zviuru zana kana kuti zana rezviuru (zviuruzana)

1,000,000 = gumi rezvuru zana kana kuti chiuru chezviuru

Muenzaniso:

347 = mazana matatu anemakumi mana nenomwe
31,257,698 = makumi matatu anechimwe ezviuru, zvine mazana maviri ane makumi mashanu anenomwe, ezvuru zvine mazana matanhatu anemakumi mapfumbamwe ane sere!

Chiperengo chinomirira pasina zvinhu (0)

Chiperengo ichi, 0, chinomirira kusavapo kwechinhu.

ChiVanhu changa shisina shoko rinoreva chiperengo 0.

Chipasina kana kuti chishaiwe/shaikwe mashoko anga shandiswe here?

Huwandu mukushaiwa/mukudzokera shure nehuwandu mukuwana/mukuenderera mberi

Huwandu hwechinhu hunoitikira mukuwana kana mukushaiwa.

Huwandu hwechinhu hunoitikawo mukuenderera kumashure kana kumberi.

Kana pasina chinhu, pane 0, uye hapana huwandu mukuwana/kuenderera kumashure kana mukushaiwa/kuenderera kumberi.

Muenzaniso:

-a: huwandu hunoita a mukudzokera kumashure, apo chiperengo a chakamirira chiperengo chohuwandu.

+a: huwandu hunoita a mukuenderera mberi, apo chiperengo a chakamirira chiperengo chohuwandu.

-4: huwandu huna mukushaiwa kana kuti mukuenderera kumashure.

+6: huwandu hutanhatu mukuwana kana kuti mukuenderera kumberi

Tichazoda kutsvaka mashoko anomirira + na - kana zvichishandiswa sezvataugwa pamusoro apo.

Zvingaitwa kuzviperengo zvehuwandu

Kubwerengedza/kuwedzera (+)

10 + 5 = 15: Kubwerengedza zvinhu gumi nezvinhu zvishanu zvinotipa zvinhu gumi nezvishanu

Mashandisigo echiperengo, + pano apa zvasiyana nemashandisigo achaitwa muchikamu chiri pamusoro apo. Pano apa + chinonzi chibwerengedzo kana kuti chiwedzero (Tinogona kuchipawo zita rokuti chidzero tichirangarirawo Bernard Chidzero uyo munyori wegwaro renyaya rokutanga muChiVanhu rinonzi "Chinzvengamutsvairo").

Kubvisa (-)

a - b zvinoreva kuti huwandu hunosara pakubvisa zvinhu b kubva muzvinhu a.

Muenzaniso;

6 - 4 = 2: zviviri ndihwo huwandu hunosara mukubvisa zvhinhu zvina kubva muzvitanhatu

Pane hukama pakati pekubwerengedza nekubvisa. Kubvisa kwakafanana nekubwerengedza zvauinazvo nezvawakakwereta uchirangarira kuti zvawakakwereta zvinoita kuti zvauinazvo zvive zvishoma nehuwandu hwezvikwereti.

Kutsinhanisa (x)

a x b kana kuti ab zvinoreva kuti tsinhanisa zvinhu a nezvhinhu b, izvowo zvichirevawo kuti tsvaga huwandu hunobuda pakuti chimwe nechimwe chezvinhu a chinobereka zvinhu b .

Muenzaniso:

3 X 4 = 12: Zvinhu gumi nezviviri huwandu hunobuda pakutsinhanisa zvinhu zvitatu nezvinhu zvina kana kuti zvinhu gumi nezviviri zvinobuda pakuti chimwe nechimwe chezvinhu zvitatu chibereke zvinhu zvina.

Kukamura kana kuti kugovanisa (/)

a/b zvinoreva kuti Huwandu hunodiwa nechimwe nechimwe chezvinhu zvinosvika b pakugovanisa zvinhu a zvakaenzanirana.

Muenzaniso:

12/3 = 4: Huwandu hunodiwa nechimwe nechimwe chezvitatu kubva mukugovanisa zvinhu gumi nezviviri zvinhu zvina.

Pane hukama pakati pekutsinhanisa nekugovanisa. Kugovanisa zvakafanana nekutsinhanisa nezvidimbu.

Zviperengo zvezvidimbu-dimbu

Chinhu chakakwana, kana kuti chakazara, chinogona kukamugwa-kamugwa, kana kuti kugugwa-gugwa (kugurwa-gurwa), kuti chiite zvidimbu zvidimbu zvine huwandu hunoverengeka. Masvomhu ezvidimbu-dimbu anokosha nokuti zvinhu zvizhinji zvatinogura-gura, kana kukamura-kamura, muupenyu hwedu. Mari yatinohora kumabasa nokutengesa zvese zvatinoda mukurarama inoitwa zvidimbu-zvidimbu kuti tigone kutenga zvinhu zvakawanda uye zvakasiyana-siyana.